Language Index

Bhaibheri





Nokuti vanhu vose vakatadza vakatadzira mbiri inoponesa yaMwari. Varoma 3:23

Nokuti mubayiro wezvitadzo, rufu, asi chipo chaMwari chamunopiwa pachena ndihwo upenyu husingagumi muna Kristu Jesu Tenzi wedu. Varoma 6:23

Nokuti imi makaponeswa nenyasha dzaMwari pamusoro pokutenda kwenyu. Hamusimi makaita izvi kwete, asi chaive chipo chaMwari. Saka regai kuzvikudza henyu nokuti izvi hazvina kuitwa nesimba renyu kwete. Vaeveso 2:8-9

Asi uya muteresi akamira hake ari kure, asingadi nyange kutarira kudenga. Akazvirova chipfuva chake akati, 'Mwari ndinzwirei tsitsi ini mutadzi.' Ruka 18:13

Naizvozvo Mwari akadisa pasi kwazvo, saka akapa Mwana wake mumwe chete akaberekwa achingova oga, kuti ani naani anodavira kwaari arege kufa, asi kuti ave noupenyu husingagumi. Mwari haana kutuma Mwana wake pasi pano kuuya kuzopa mhosva kune pasi, asi akauya kuzoponesa pasi. Johane 3:16-17

Hamuna kuwirwa nomuedzo usiri wavanhu vose, asi iye Mwari, akatendeka, haangatenderi kuti muedzwe kupfuura masimba amunawo, asi panguva yokuedzwa kwenyu anokupai simba rokushingirira nenzira yokupunyuka nayo. I Vakorindi 10:13

Nokuti ndine chokwadi chokuti hakuna chinhu chingatipatsanisa kubva murudo rwake: nokuti hakuna rufu kana upenyu, kana vatumwa vaMwari kana masimba anotonga zvokudenga, kana zvinhu zviripo kana zvinhu zvichauya, kana zviri kumatenga kana zviri pasipasi, hakuna chimwe chinhu chakasikwa chichazokwanisa kutipatsanisa murudo rwaMwari rwatinarwo muna Kristu Jesu Tenzi wedu. Varoma 8:38-39

Kristu ndiye akagumisa kukosha kwomutemo kuitira kuti ani naani anotenda aruramiswe naMwari. Varoma 10:4

Nokuti ndiye anoti: "Nenguva yakafanira ndakateerera ndikanzwa zvawaireva. Pazuva rokuponeswa ndakakubatsira." Onaka iye zvino ndiyo nguva yokunzwira tsitsi. Onaka iye zvino ndiyo nguva yokuponeswa. II Vakorindi 6:2

Zvino vanhu vakati vanzwa zvinhu izvi, vakabayiwa mwoyo ndokuti kuna Pita navamwe vanyai valesu, "Zvino nhai hama, tingaiteiko?" Ipapo Pita akavapindura achiti, "Pindukai mupfidze zvitadzo zvenyu, mumwe nomumwe wenyu aombekwe, kuitira kuti muregererwe zvitadzo zvenyu, mugopiwa chipo chaMweya Anoera." Zviito 2:37-38

Pfekai munhu mutsva akasikwa akafanana naMwari pakururama, noutsvene hwechokwadi. Vaefeso 4:24


Varoma

Nokuti vanhu vose vakatadza vakatadzira mbiri inoponesa yaMwari. Varoma 3:23

Sezvazvakanyorwa zvichinzi: "Hakuna munhu akarurama kunyange mumwe chete zvake. Varoma 3:10

Nokuti mubayiro wezvitadzo, rufu, asi chipo chaMwari chamunopiwa pachena ndihwo upenyu husingagumi muna Kristu Jesu Tenzi wedu. Varoma 6:23

Saka zvitadzo zvazvakapinda munyika nokuda kwomunhu mumwe chete, asi rufu rwakasvikira vanhu vose nokuti vanhu vakatadza vose. Varoma 5:12

Nokuti paya patakanga tisina nechokuita, panguva iyoyo Kristu ndipo paakafa, achifira vanhu vasingadi Mwari, achivafira panguva yakakodzera. Varoma 5:6

Asi Mwari akaratidza rudo rwake kwatiri isu, nokuti Kristu akatifira paya patakanga tichiri vatadzi. Varoma 5:8

Mweya Anoera ndiye akaratidza namasimba, kuti Jesu ndiye Mwanakomana waMwari. Mweya akaratidza izvi achimutsa Jesu Kristu TENZI wedu kuvafi. Varoma 1:4

Nokuti tinoziva kuti Kristu zvaakamuka mukufa, haachazofizve kwete. Rufu haruchina simba pamusoro pake. Varoma 6:9

Kana uchipupura nomuromo wako kuti Jesu ndiye Tenzi, uchitenda mumwoyo mako kuti Mwari akamumutsa mukufa, uchazoponeswa. Varoma 10:9

Nokuti zvinyorwa zvinoera zvinoi, "Ani naani anonamata Tenzi, achazoponeswa." Varoma 10:13

Nokuti ndine chokwadi chokuti hakuna chinhu chingatipatsanisa kubva murudo rwake: nokuti hakuna rufu kana upenyu, kana vatumwa vaMwari kana masimba anotonga zvokudenga, kana zvinhu zviripo kana zvinhu zvichauya, kana zviri kumatenga kana zviri pasipasi, hakuna chimwe chinhu chakasikwa chichazokwanisa kutipatsanisa murudo rwaMwari rwatinarwo muna Kristu Jesu Tenzi wedu. Varoma 8:38-39


Baba vedu vari kudenga

Baba vedu vari kudenga, Zita renyu rinoera ngarikudzwe. Umambo hwenyu ngahuve muvanhu, Kuda kwenyu ngakuitwe pasi pano sezvinoitwa kudenga, Tipei nhasi uno zvokudya zvedu zvinotikwanira, Tiregererei pane zvatinokutadzirai, Sezvatinoregererawo vaya vanotitadzira, Musatirega tichiedzwa, Asi tinunurei pane zvakaipa, Nokuti umambo ndohwenyu, namasimba ndeenyu, nembiri ndeyenyu, Kusvikira rini narini. Ameni. Mateu 6:9-13


Nziyo 23

Tenzi ndiye mufudzi wangu; hapana chandingashayiwa. Anondivatisa pana mafuro manyoro; anonditungamirira kumvura yakagadzikama. Anovandudza mweya wangu, anonditungamirira munzira dzakarurama nokuda kwezita rake. Kunyange ndikafamba mubani mune rima rinotyisa, handingatyi chakaipa, nokuti imi muneni; tsvimbo yenyu nomudonzvo wenyu zvinondinyaradza. Munondigadzirira chokudya pamberi pavavengi vangu; munozodza musoro wangu namafuta; mukombe wangu unopfachukira. Zvirokwazvo kunaka kwenyu nengoni dzenyu zvichanditevera mazuva ose oupenyu hwangu; ini ndichagara mumba maTenzi, kusvikira rini narini.

Kuberekwa kwaJesu

Panguva iyoyo Mambo Augusto akapa chirevo chokuti vanhu vake vose vanyorwe mazita avo. Zvino uku ndikwo kwaiva kunyoreswa kwokutanga kwakaitwa apo Kuriniosi akanga ari mutongi wenyika yeSiriya. Vanhu vose vakaenda kundozvinyoresa, mumwe nomumwe achienda kuguta rokwake. Zvino Josefa akabvawo Nazareta ndokuenda Judiya kuguta raDavidi rainzi Beterehema, kwakanga kwakazvarirwa mambo Davidi. Josefa akaenda kuguta iri nokuti aiva werudzi rwaDavidi. Akaenda naMariya waakanga achangobva kutora achida kuroora. Mariya akanga atova napamuviri. Zvino vakati vasvikako, nguva ndokubva yakwana yokuti apone mwana. Mariya akasununguka mwana mukomana, akamuputira namachira ndokumuradzika muya munoiswa kudya kwemombe, nokuti vakanga vashaya nzvimbo mumba yaisvikira vaeni. Munyika iyoyo makanga muine vafudzi vairinda zvipfuwo zvavo usiku. Zvino mutumwa waTenzi akasvika pavakanga vari ipapo, kukaonekwa kupenya kukuru, vafudzi vaya vakatya zvikuru. Asi mutumwa waTenzi akati kwavari, "Regai henyu kutya, nokuti ndauya namashoko akanaka, mashoko anofadza vanhu vose zvikuru. Nokuti nhasi uno muguta raDavidi Muponesi wenyu anonzi Kristu aberekwa. Zvino muchamuziva imi nechiratidzo ichi. Muchaona kana matsvaka, mwana mucheche akaputirwa namachira, avete munodyira mombe." Pakarepo chita chehondo yokudenga chakarumbidza Mwari pamwe chete nomutumwa uya vachiti: "Mbiri kuna Mwari kumusorosoro, Rugare pasi pano, pakati pavanhu vanofarirwa naMwari." "Kuzoti zvino vatumwa vaya vadzokera kudenga, vafudzi vakatauri rana vachiti, "Varume, ngatiendewo kuBeterehema tindoona ichochi chinhu chanzi chakaitikako nokuti iye Tenzi ndiye atiudza zvinhu izvi." Pakarepo vakabva vakurumidza kusimuka vachiendako, ndokusvikowana Mariya naJosefa nomwana mucheche avete maidyira zvipfuwo. Zvino vakati vachiona uyu mwana vafudzi vakatanga kurondedzera mashoko ose maererano nezviya zvakanga zvaitika kwavari, nezviya zvavakanga vaudzwa nezvemwana uyu. Vanhu vakati vanzwa zvinhu izvi vakabva vashamiswa zvikuru kuudzwa zvinhu izvi navafudzi. Asi Mariya akaramba anyerere zvake achinyatsofungisisa pamusana pezvinhu izvozvi. Shure kwezvo vafudzi vakadzokera kuhwai dzavo vachikudza nokurumbidza Mwari zvikuru, pamusoro pezvinhu zvavakanga vanzwa, nezvavakanga vaona, sokuudzwa kwavakaitwa nomutumwa waMwari. Ruka 2:1-20

Copyright © Bible Society of Zimbabwe, 1979, British and Foreign Bible Society

Usiku ihowohwo!
Genesi 1-3

Language index